Advertisement

Ngatimukudzei Mwari

Ngatimukudzei Mwari NGATIMUKUDZE Mwari
Nemwoyo inofara,
Tsitsi dzake ihuru
Dzinoitirwa isu

2.Anorayira zuva
Rivhenekere nyika:
Tsitsi dzake ihuru
Dzinoitirwa isu.

3.Zvinhu zvose zvipenyu
Zvinoponiswa naye:
Tsitsi dzake ihuru
Dzinoitirwa isu.

4.Anotikwanisawo,
Anoda kukumbirwa:
Tsitsi dzake ihuru
Dzinoitirwa isu.

5.Kana tiri panhamo
Tinochengetwa naye
Tsitsi dzake ihuru
Dzinoitirwa isu.

6. Mwana wake wakafa
Kuti tipinde denga:
Tsitsi dzake ihuru
Dzinoitirwa isu.

7. Ngatimukudze Mwari
Nemoyo inofara;
Tsitsi dzake dziripo
Dzisingaperi idzo

Mwari

Post a Comment

0 Comments